Mapisarema 37:32-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

32. Vakaipa vanovandira vakarurama, vachitsvaka upenyu hwavo chaihwo;

33. asi Jehovha haangavasiyi vari musimba ravo, kana kuvarega vachipomerwa kana vamira pakutongwa.

34. Rindira Jehovha, uye uchengete nzira yake. Achakusimudzira kuti ugare nhaka yenyika; kana vakaipa voparadzwa, iwe uchazviona.

35. Ndakaona munhu akaipa uye ano utsinye achibudirira somuti munyoro pavhu romunyika yawo,

Mapisarema 37