Mapisarema 37:20-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Asi vakaipa vachaparara: vavengi vaJehovha vachafanana norunako rweminda, vachanyangarika soutsi.

21. Vakaipa vanokwereta uye havadzori, asi vakarurama vanopa zvakawanda;

22. avo vanoropafadzwa naJehovha vachagara nhaka yenyika, asi avo vanotuka vachaparadzwa.

23. Kana Jehovha achifarira nzira yomunhu, anosimbisa mafambiro ake;

Mapisarema 37