Mapisarema 37:2-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. nokuti souswa vachaoma nokukurumidza, somuriwo wakasvibira vachakurumidza kuoma.

3. Vimba naJehovha uite zvakanaka; gara panyika ufarikane pamafuro manyoro.

4. Farikana muna Jehovha, uye iye achakupa zvinodikanwa nomwoyo wako.

5. Isa nzira yako kuna Jehovha; uvimbe naye uye iye achaita izvi;

6. achaita kuti kururama kwako kupenye samambakwedza, nokururamisirwa kwako sezuva ramasikati.

Mapisarema 37