16. Zvishoma zvowakarurama zviri nani kupinda pfuma yavakaipa vazhinji;
17. nokuti simba ravakaipa richavhuniwa, asi Jehovha anotsigira vakarurama.
18. Mazuva avakarurama anozivikanwa naJehovha, uye nhaka yavo ichagara nokusingaperi.
19. Panguva yenjodzi, havanganyadziswi; mumazuva enzara ivo vachava nezvakawanda.
20. Asi vakaipa vachaparara: vavengi vaJehovha vachafanana norunako rweminda, vachanyangarika soutsi.
21. Vakaipa vanokwereta uye havadzori, asi vakarurama vanopa zvakawanda;
22. avo vanoropafadzwa naJehovha vachagara nhaka yenyika, asi avo vanotuka vachaparadzwa.
23. Kana Jehovha achifarira nzira yomunhu, anosimbisa mafambiro ake;
24. kunyange akagumburwa, haangawi, nokuti Jehovha anomutsigira noruoko rwake.