Mapisarema 37:15-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Asi minondo yavo ichabaya mwoyo yavo pachavo, uye uta hwavo huchavhunika.

16. Zvishoma zvowakarurama zviri nani kupinda pfuma yavakaipa vazhinji;

17. nokuti simba ravakaipa richavhuniwa, asi Jehovha anotsigira vakarurama.

18. Mazuva avakarurama anozivikanwa naJehovha, uye nhaka yavo ichagara nokusingaperi.

Mapisarema 37