Mapisarema 35:6-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. nzira yavo ngaisvibe uye itsvedze, mutumwa waJehovha achivateverera.

7. Sezvo vakandivanzira mimbure yavo ndisina mhosva, uye vakandicherera gomba ndisina mhosva,

8. kuparadzwa ngakuvawire pakarepo, mumbure wavakavanza ngauvapinge ivo, ngavawire mugomba ravo vaparare.

9. Ipapo mweya wangu uchafara muna Jehovha, uye uchafarira ruponeso rwake.

Mapisarema 35