4. Ndakachema kuna Jehovha akandipindura; akandisunungura pakutya kwangu kwose.
5. Vanotarira kwaari vanopenya; zviso zvavo hazvingambofukidzwi nenyadzi.
6. Murombo uyu akadana, uye Jehovha akamunzwa; akamuponesa pakutambudzika kwake kwose.
7. Mutumwa waJehovha anokomberedza avo vanomutya, uye anovasunungura.
8. Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka; akaropafadzwa munhu anovanda maari.
9. Ityai Jehovha, imi vatsvene vake, nokuti vanomutya havana chavanoshayiwa.