Mapisarema 34:19-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Akarurama angava namatambudziko mazhinji, asi Jehovha anomurwira paari ose;

20. anochengetedza mapfupa ake ose, hakuna nerimwe rawo richavhunika.

21. Zvakaipa zvichauraya vakaipa; vavengi vavakarurama vachapiwa mhosva.

22. Jehovha anodzikinura varanda vake; hapana kana mumwe anovanda maari achapiwa mhosva.

Mapisarema 34