Mapisarema 34:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndinorumbidza Jehovha nguva dzose; kurumbidzwa kwake kucharamba kuri pamiromo yangu.

2. Mwoyo wangu uchazvirumbidza muna Jehovha; vanotambudzika ngavanzwe vafare.

3. Kudzai Jehovha pamwe chete neni; ngatikudzei zita rake pamwe chete.

4. Ndakachema kuna Jehovha akandipindura; akandisunungura pakutya kwangu kwose.

5. Vanotarira kwaari vanopenya; zviso zvavo hazvingambofukidzwi nenyadzi.

Mapisarema 34