Mapisarema 33:3-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Muimbirei rwiyo rutsva; muridze zvakanaka, mugopururudza nomufaro.

4. Nokuti shoko raJehovha rakarurama uye nderechokwadi; iye akatendeka pane zvose zvaanoita.

5. Jehovha anoda kururama nokururamisira; nyika izere norudo rwake rusingaperi.

6. Kudenga denga kwakaitwa neshoko raJehovha, hondo dzenyeredzi dzoko, nokufema kwomuromo wake.

7. Anounganidza mvura zhinji yegungwa muzvirongo; anoisa kwakadzika mumatura.

8. Nyika yose ngaitye Jehovha; marudzi ose enyika ngaamuremekedze.

9. Nokuti iye akataura, zvikaitika; akarayira, zvikamira zvakasimba.

10. Jehovha anokonesa urongwa hwendudzi; anopinganidza mifungo yendudzi.

11. Asi urongwa hwaJehovha hunomira hwakasimba nokusingaperi, nendangariro dzomwoyo wake kusvikira kumarudzi namarudzi.

12. Rwakaropafadzwa rudzi rwakaita Jehovha Mwari warwo, vanhu vaakasarudza kuti vave nhaka yake.

Mapisarema 33