Mapisarema 33:3-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Muimbirei rwiyo rutsva; muridze zvakanaka, mugopururudza nomufaro.

4. Nokuti shoko raJehovha rakarurama uye nderechokwadi; iye akatendeka pane zvose zvaanoita.

5. Jehovha anoda kururama nokururamisira; nyika izere norudo rwake rusingaperi.

6. Kudenga denga kwakaitwa neshoko raJehovha, hondo dzenyeredzi dzoko, nokufema kwomuromo wake.

7. Anounganidza mvura zhinji yegungwa muzvirongo; anoisa kwakadzika mumatura.

8. Nyika yose ngaitye Jehovha; marudzi ose enyika ngaamuremekedze.

9. Nokuti iye akataura, zvikaitika; akarayira, zvikamira zvakasimba.

10. Jehovha anokonesa urongwa hwendudzi; anopinganidza mifungo yendudzi.

11. Asi urongwa hwaJehovha hunomira hwakasimba nokusingaperi, nendangariro dzomwoyo wake kusvikira kumarudzi namarudzi.

Mapisarema 33