Mapisarema 30:3-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Haiwa Jehovha, makandibudisa muguva; mukandirwira kuti ndirege kupinda mugomba.

4. Imbirai Jehovha imi vatsvene vake; rumbidza zita rake dzvene.

5. Nokuti kutsamwa kwake ndokwenguva duku, asi nyasha dzake ndedzoupenyu hwose; kuchema kungangovapo usiku. Asi mufaro unouya mangwanani.

6. Pandakanzwa kugadzikana, ndakati, “Handingatongozungunuswi.”

Mapisarema 30