Mapisarema 30:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndichakukudzai imi Jehovha, nokuti makandisimudza kubva pakadzika, uye hamuna kutendera vavengi vangu kuti vafare pamusoro pangu.

2. Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndakachemera rubatsiro kwamuri uye mukandiporesa.

3. Haiwa Jehovha, makandibudisa muguva; mukandirwira kuti ndirege kupinda mugomba.

4. Imbirai Jehovha imi vatsvene vake; rumbidza zita rake dzvene.

Mapisarema 30