1. Ndichakukudzai imi Jehovha, nokuti makandisimudza kubva pakadzika, uye hamuna kutendera vavengi vangu kuti vafare pamusoro pangu.
2. Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndakachemera rubatsiro kwamuri uye mukandiporesa.
3. Haiwa Jehovha, makandibudisa muguva; mukandirwira kuti ndirege kupinda mugomba.