Mapisarema 28:5-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Sezvo vasina hanya namabasa aJehovha uye nezvakaitwa namaoko ake, achavaputsira pasi akasavavakazve.

6. Jehovha ngaarumbidzwe, nokuti akanzwa kuchemera kwangu ngoni.

7. Jehovha ndiye simba rangu nenhoo yangu; mwoyo wangu unovimba naye, uye ndinobatsirwa. Mwoyo wangu unokwakuka nomufaro uye ndichamuvonga nenziyo.

8. Jehovha ndiye simba ravanhu vake, nhare yoruponeso yomuzodziwa wake.

9. Ponesai vanhu venyu uye muropafadze nhaka yenyu; ivai mufudzi wavo uye muvatakure nokusingaperi.

Mapisarema 28