Mapisarema 27:11-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Ndidzidzisei nzira yenyu, imi Jehovha; ndisesedzei munzira yakarurama nokuda kwavamanikidzi vangu.

12. Regai kundisundira kuzvido zvavavengi vangu, nokuti zvapupu zvenhema zvinondimukira, vachifemedzeka nehasha.

13. Ndichine chokwadi neizvi zvokuti: ndichaona kunaka kwaJehovha munyika yavapenyu.

14. Rindira Jehovha; iva nesimba, utsunge mwoyo ugomirira Jehovha.

Mapisarema 27