Mapisarema 25:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jehovha, ndinosimudzira mwoyo wangu kwamuri;

2. haiwa Mwari wangu, ndinovimba nemi. Musandirega ndichinyadziswa, uye musarega vavengi vangu vachindikunda.

3. Hapana munhu ane tariro mamuri achanyadziswa, asi vachanyadziswa avo vanonyengera pasina chikonzero.

4. Ndiratidzei nzira dzenyu, imi Jehovha, ndidzidzisei nzira dzenyu;

5. nditungamirirei muzvokwadi yenyu mugondidzidzisa, nokuti ndimi Mwari Muponesi wangu, uye tariro yangu iri pamuri zuva rose.

6. Rangarirai, imi Jehovha, ngoni dzenyu huru norudo, nokuti zvakabvira kare.

Mapisarema 25