Mapisarema 22:28-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

28. nokuti ushe ndohwaJehovha uye anotonga pamusoro pendudzi.

29. Vapfumi vose venyika vachadya uye vachamunamata; vose vanoburukira muguruva vachapfugama pamberi pake, navose vasingagoni kuzviraramisa.

30. Vana vake vachamushumira; marudzi anotevera achaudzwa nezvaIshe.

31. Vachaparidza kururama kwake kuvanhu vasati vaberekwa, nokuti akazviita.

Mapisarema 22