1. Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko? Sei muri kure zvakadai nokundiponesa, kure zvakadai namashoko okugomera kwangu?
2. Haiwa Mwari wangu, ndinodanidzira masikati, asi hamundipinduri, nousiku, uye handinyarari.
3. Asi imi makagadzwa saIye Mutsvene; ndimi rumbidzo yaIsraeri.
4. Madzibaba edu akavimba nemi; vakavimba, uye mukavarwira.
5. Vakachema kwamuri, vakaponeswa; vakavimba nemi uye havana kunyadziswa.
6. Asi ini ndiri honye kwete munhu, ndinozvidzwa navanhu uye ndinoshorwa namarudzi.
7. Vose vanondiona vanondiseka; vanoshamisa miromo yavo vachindituka, vachidzungudza misoro yavo vachiti,