Mapisarema 19:10-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Zvinokosha kupfuura goridhe, kupfuura goridhe rakanatswa; zvinotapira kupfuura uchi, kupinda uchi hwabva muzinga.

11. Muranda wenyu anoyambirwa nazvo; pakuzvichengeta pano mubayiro mukuru.

12. Ndianiko angaziva kukanganisa kwake? Ndikanganwirei mhosva dzangu dzakavanzika.

13. Dzorai muranda wenyu kubva pakutadza nobwoni; ngazvirege kuva nesimba pamusoro pangu. Ipapo handizovi nemhosva, ndisina mhaka yokudarika kukuru.

14. Mashoko omuromo wangu nokurangarira kwomwoyo wangu ngazvifadze pamberi penyu, imi Jehovha, Dombo rangu noMudzikinuri wangu.

Mapisarema 19