Mapisarema 18:43-48 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

43. Makandirwira pakurwisa kwavanhu; makandiita musoro wendudzi; vanhu vandakanga ndisingazivi vava varanda vangu.

44. Pavanongondinzwa, vanonditeerera; vatorwa vanokotama pamberi pangu.

45. Vose vanoora mwoyo; vanouya vachibva panhare dzavo vachidedera.

46. Jehovha mupenyu! Dombo rangu ngarirumbidzwe! Ngaakudzwe Mwari Muponesi wangu!

47. Ndiye Mwari anonditsivira, anoisa ndudzi pasi pangu,

48. anondiponesa pavavengi vangu. Makandisimudzira pamusoro pavavengi vangu. Makandinunura kubva kuvanhu vechisimba.

Mapisarema 18