Mapisarema 18:35-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

35. Munondipa nhoo yenyu yokukunda, uye ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira; munokotama pasi kuti mundiite mukuru.

36. Munondiitira nzira yakapamhama pasi pangu, kuitira kuti zvitsitsinho zvangu zvirege kutedzemuka.

37. Ndakatevera vavengi vangu ndikavabata; handina kudzokera shure kusvikira vaparadzwa.

38. Ndakavapwanya kuti vakoniwe kusimuka; vakawira pasi petsoka dzangu.

39. Makandishongedza nesimba rokurwa; makaita kuti vadzivisi vangu vapfugame patsoka dzangu.

Mapisarema 18