Mapisarema 18:31-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

31. Nokuti ndianiko Mwari kunze kwaJehovha? Uye ndianiko Dombo kunze kwaMwari wedu?

32. NdiMwari anondishongedza nesimba uye anokwanisa nzira yangu.

33. Anoita tsoka dzangu kuti dzive setsoka dzenondo; anoita kuti ndigone kumira pakakwirira.

34. Anodzidzisa maoko angu kurwa; maoko angu anowembura uta hwendarira.

35. Munondipa nhoo yenyu yokukunda, uye ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira; munokotama pasi kuti mundiite mukuru.

36. Munondiitira nzira yakapamhama pasi pangu, kuitira kuti zvitsitsinho zvangu zvirege kutedzemuka.

Mapisarema 18