Mapisarema 17:8-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Ndichengetei semboni yeziso renyu; ndivanzei pasi pomumvuri wamapapiro enyu,

9. kubva kuno wakaipa anondirwisa, kubva kuvavengi vangu, vanoda kundiuraya, vakandikomberedza.

10. Vanodzivira mwoyo yavo yakavangarara, uye miromo yavo inotaura nokuzvikudza.

11. Vakandironda, zvino vandikomba, vanocherechedza nameso avo kuti vandiwisire pasi.

12. Vakaita seshumba ine nzara yechokudya, seshumba huru yakavandira pakavanda.

13. Haiwa, Jehovha, simukai, mirai pamberi pavo, vawisirei pasi; ndirwirei nomunondo wenyu pano wakaipa.

Mapisarema 17