Mapisarema 17:4-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Kana ari mabasa avanhu, neshoko remiromo yenyu, ndakanzvenga nzira dzouyo anoita nechisimba.

5. Nhambwe dzangu dzakarambira panzira dzenyu; tsoka dzangu hadzina kutedzemuka.

6. Haiwa Mwari, ndinodana kwamuri, nokuti muchandipindura; rerekerai nzeve yenyu kwandiri, munzwe munyengetero wangu.

7. Ratidzai kushamisa kworudo rwenyu rukuru, imi munoponesa noruoko rwenyu rworudyi, avo vanovanda vavengi vavo mamuri.

8. Ndichengetei semboni yeziso renyu; ndivanzei pasi pomumvuri wamapapiro enyu,

9. kubva kuno wakaipa anondirwisa, kubva kuvavengi vangu, vanoda kundiuraya, vakandikomberedza.

10. Vanodzivira mwoyo yavo yakavangarara, uye miromo yavo inotaura nokuzvikudza.

Mapisarema 17