4. Nokuti Jehovha anofarira vanhu vake; vanozvininipisa anovashongedza korona noruponeso.
5. Vatsvene ngavafare nokukudzwa kwake, uye vaimbe nomufaro vari panhoo dzavo.
6. Kurumbidzwa kwaMwari ngakuve pamiromo yavo, nomunondo unocheka kwose, mumaoko avo,
7. kuti vatsive pamusoro pendudzi, uye varange marudzi avanhu,
8. vasunge madzimambo avo nengetani, namakurukota avo nezvisungo zvamatare,
9. kuti vaite zvavakatongwa nazvo, zvakanyorwa pamusoro pavo. Ndiko kukudzwa kwavatsvene vose. Rumbidzai Jehovha.