Mapisarema 149:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Rumbidzai Jehovha. Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, rumbidzo yake paungano yavatsvene.

2. Israeri ngavafarire Muiti wavo; vanhu veZioni ngavafarire Mambo wavo.

3. Ngavarumbidze zita rake vachitamba, uye vamuridzire nziyo namatambureni nembira.

4. Nokuti Jehovha anofarira vanhu vake; vanozvininipisa anovashongedza korona noruponeso.

5. Vatsvene ngavafare nokukudzwa kwake, uye vaimbe nomufaro vari panhoo dzavo.

6. Kurumbidzwa kwaMwari ngakuve pamiromo yavo, nomunondo unocheka kwose, mumaoko avo,

Mapisarema 149