4. Murumbidzei, imi matenga ari kumusoro-soro, nemi mvura zhinji iri pamusoro pamatenga.
5. Ngazvirumbidze zita raJehovha, nokuti akarayira, izvo zvikasikwa.
6. Akazviisa panzvimbo yazvo nokusingaperi-peri, akapa chirevo chisingazombopfuuri.
7. Rumbidzai Jehovha imi nyika, imi zvisikwa zvikuru zvegungwa nokwakadzika kwenyanza,
8. nemi mheni nechimvuramabwe, chando namakore, dutu remhepo rinoita zvaakareva,
9. imi makomo nemi zvikomo zvose, miti inobereka nemisidhari yose,
10. mhuka dzesango nemombe dzose, zvisikwa zvidiki neshiri dzinobhururuka,
11. Madzimambo enyika nendudzi dzose, imi machinda nemi vatongi vose panyika,