3. Anoporesa vane mwoyo yakaputsika, uye anosunga maronda avo.
4. Anotara kuwanda kwenyeredzi, anodana imwe neimwe nezita rayo.
5. Ishe wedu mukuru uye ane simba guru; kunzwisisa kwake hakuperi.
6. Jehovha anotsigira vanozvininipisa, asi anowisira pasi vakaipa.
7. Imbirai Jehovha nokuvonga; muimbire Mwari wedu nziyo dzokurumbidza nembira.
8. Anofukidza denga namakore; anopa nyika mvura, uye anomeresa uswa pazvikomo.
9. Anopa mombe zvokudya navana vamakunguwo pavanochema.
10. Mufaro wake hausi musimba rebhiza, uye mufaro wake hausi pamakumbo omunhu;
11. Jehovha anofadzwa naavo vanomutya, vanoisa tariro yavo parudo rwake rusingaperi.
12. Kudza Jehovha, iwe Jerusarema; rumbidza Mwari wako, iwe Zioni,
13. nokuti anosimbisa mazariro amasuo ako, uye anoropafadza vanhu vako vari mauri.
14. Anopa rugare pamiganhu yako, uye anokugutsa nezviyo zvakaisvonaka.
15. Anotuma murayiro wake kunyika; shoko rake rinomhanya kwazvo.
16. Anowarira chando samakushe, uye anoparadzira chando samadota.