Mapisarema 147:3-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Anoporesa vane mwoyo yakaputsika, uye anosunga maronda avo.

4. Anotara kuwanda kwenyeredzi, anodana imwe neimwe nezita rayo.

5. Ishe wedu mukuru uye ane simba guru; kunzwisisa kwake hakuperi.

6. Jehovha anotsigira vanozvininipisa, asi anowisira pasi vakaipa.

7. Imbirai Jehovha nokuvonga; muimbire Mwari wedu nziyo dzokurumbidza nembira.

8. Anofukidza denga namakore; anopa nyika mvura, uye anomeresa uswa pazvikomo.

9. Anopa mombe zvokudya navana vamakunguwo pavanochema.

10. Mufaro wake hausi musimba rebhiza, uye mufaro wake hausi pamakumbo omunhu;

11. Jehovha anofadzwa naavo vanomutya, vanoisa tariro yavo parudo rwake rusingaperi.

12. Kudza Jehovha, iwe Jerusarema; rumbidza Mwari wako, iwe Zioni,

13. nokuti anosimbisa mazariro amasuo ako, uye anoropafadza vanhu vako vari mauri.

14. Anopa rugare pamiganhu yako, uye anokugutsa nezviyo zvakaisvonaka.

Mapisarema 147