Mapisarema 147:12-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Kudza Jehovha, iwe Jerusarema; rumbidza Mwari wako, iwe Zioni,

13. nokuti anosimbisa mazariro amasuo ako, uye anoropafadza vanhu vako vari mauri.

14. Anopa rugare pamiganhu yako, uye anokugutsa nezviyo zvakaisvonaka.

15. Anotuma murayiro wake kunyika; shoko rake rinomhanya kwazvo.

16. Anowarira chando samakushe, uye anoparadzira chando samadota.

17. Anokanda chimvuramabwe pasi sezvimedu. Ndianiko angamira kana chando chake charova?

18. Anotuma shoko rake rigozvinyungudisa; anomutsa mhepo yake, mvura zhinji igoerera.

19. Akazarurira Jakobho shoko rake, mirayiro yake nezvirevo zvake kuna Israeri.

20. Haana kumboita izvi kuno rumwe rudzi; havazivi mirayiro yake. Rumbidzai Jehovha.

Mapisarema 147