Mapisarema 146:6-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Muiti wedenga nenyika, gungwa uye nezvose zviri mariri, iye Jehovha, anogara akatendeka nokusingaperi.

7. Anotsigira mhaka yavakadzvinyirirwa, uye anopa zvokudya vane nzara. Jehovha anosunungura vasungwa.

8. Jehovha anosvinudza mapofu, Jehovha anosimudza avo vakakotamiswa pasi, Jehovha anoda vakarurama.

9. Jehovha anorinda vatorwa uye anotsigira nherera nechirikadzi, asi anokonesa nzira dzavakaipa.

10. Jehovha anotonga nokusingaperi, Mwari wako, iwe Zioni, kumarudzi namarudzi. Rumbidza Jehovha.

Mapisarema 146