14. Jehovha anotsigira vose vanowa, uye anosimudza vose vakakotamiswa pasi.
15. Meso avose anotarira kwamuri, uye munovapa zvokudya zvavo nenguva yakafanira.
16. Munozarura ruoko rwenyu, uye munogutsa zvisikwa zvipenyu zvose nezvazvinoda.
17. Jehovha akarurama panzira dzake dzose, uye ane rudo kuzvinhu zvose zvaakaita.
18. Jehovha ari pedyo navose vanodana kwaari, kuna vose vanodana kwaari muchokwadi.
19. Anozadzisa zvido zvaavo vanomutya; anonzwa kuchema kwavo uye anovaponesa.