1. Ndichakukudzai, Mwari wangu Mambo; ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi-peri.
2. Ndichakurumbidzai mazuva ose, uye ndichakudza zita renyu nokusingaperiperi.
3. Jehovha mukuru uye akafanira kurumbidzwa; ukuru hwake hahunganzverwi nomunhu.
4. Rumwe rudzi rucharumbidza mabasa enyu kuno rumwe; vachareva zvamabasa enyu esimba.
5. Vachataura nezvokunaka kwokubwinya kwoumambo hwenyu, uye ndichafungisisa pamusoro pemabasa enyu anoshamisa.
6. Vanhu vachataura nezvesimba ramabasa enyu anotyisa, uye ndichaparidza mabasa enyu makuru.
7. Vachapemberera kuwanda kwokunaka kwenyu, uye vachaimba nomufaro pamusoro pokururama kwenyu.
8. Jehovha ane nyasha uye ane tsitsi, anononoka kutsamwa uye azere norudo.
9. Jehovha akanaka kuna vose; uye ane nyasha pamusoro pezvose zvaakaita.
10. Zvose zvamakaita zvichakurumbidzai, imi Jehovha; vatsvene venyu vachakukudzai.
11. Vachataura nezvokubwinya kwoumambo hwenyu, uye vachataura nezvesimba renyu,