Mapisarema 144:2-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Ndiye Mwari anondida uye nhare yangu, shongwe yangu nomudzikinuri wangu, nenhoo yangu uye ndinovanda maari, iye anoisa marudzi pasi pangu.

3. Haiwa Jehovha, munhu chiiko zvamune hanya naye? Kana mwanakomana womunhu zvamunomufunga?

4. Munhu akafanana nomweya; mazuva ake akaita somumvuri unopfuura.

5. Zarurai matenga enyu, imi Jehovha, uye muburuke; batai makomo, kuti apfungaire utsi.

6. Tumirai mheni mugoparadzira vavengi; pfurai miseve yenyu mugovapedza.

7. Tambanudzai ruoko rwenyu kubva kumusoro; ndirwirei uye mundinunure kubva pamvura zhinji ine simba, kubva mumaoko avatorwa

8. vane miromo izere nenhema, maoko avo orudyi anonyengera.

9. Haiwa Mwari, ndichakuimbirai rwiyo rutsva; ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza nomutengeranwa une hungiso gumi,

10. iye anopa kukunda kumadzimambo, anorwira muranda wake Dhavhidhi kubva pamunondo unouraya.

11. Ndirwirei uye mundinunure kubva pamaoko avatorwa, vane miromo izere nenhema, vane maoko orudyi anonyengera.

12. Ipapo vanakomana vedu pauduku hwavo vachava semiti yakakura zvakanaka, uye vanasikana vedu vachava sembiru dzakavezwa kuti dzishongedze muzinda wamambo.

13. Matura edu achazadzwa nemhando dzose dzezviyo. Makwai edu achawanda nezviuru, nezviuru gumi mumafuro edu;

Mapisarema 144