1. Jehovha Dombo rangu ngaarumbidzwe, iye anodzidzisa maoko angu kurwa.
2. Ndiye Mwari anondida uye nhare yangu, shongwe yangu nomudzikinuri wangu, nenhoo yangu uye ndinovanda maari, iye anoisa marudzi pasi pangu.
3. Haiwa Jehovha, munhu chiiko zvamune hanya naye? Kana mwanakomana womunhu zvamunomufunga?
4. Munhu akafanana nomweya; mazuva ake akaita somumvuri unopfuura.