Mapisarema 135:12-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. akapa nyika yavo kuti ive nhaka, nhaka yavanhu vake Israeri.

13. Haiwa Jehovha, zita renyu rinogara nokusingaperi, mukurumbira wenyu, imi Jehovha, kumarudzi namarudzi.

14. Nokuti Jehovha achapupurira vanhu vake uye achava nenyasha pamusoro pavaranda vake.

15. Zvifananidzo zvendudzi isirivha negoridhe, zvakaitwa namaoko avanhu.

16. Zvine miromo, asi hazvigoni kutaura, zvina meso, asi hazvigoni kuona;

17. nenzeve, asi hazvigoni kunzwa, uye hamuna kufema mumuromo mazvo.

18. Vaya vanozviita vachafanana nazvo, saizvozvowo, naivo vanovimba nazvo.

19. Haiwa imi imba yaIsraeri, rumbidzai Jehovha; haiwa imba yaAroni, rumbidzai Jehovha;

20. Haiwa imi imba yaRevhi, rumbidzai Jehovha; imi vanomutya, rumbidzai Jehovha.

21. Jehovha ngaarumbidzwe kubva kuZioni, iye agere muJerusarema. Rumbidzai Jehovha.

Mapisarema 135