1. Haiwa Jehovha, rangarirai Dhavhidhi namatambudziko ake ose aakakunda.
2. Akapika mhiko kuna Jehovha, akaita mhiko kuna Wamasimba waJakobho achiti,
3. “Handingapindi mumba mangu kana kuenda kundovata pamubhedha wangu,
4. handingatenderi hope mumaziso angu, kana kutsumwaira mumeso angu,
5. kusvikira ndawana nzvimbo yaJehovha, nzvimbo yokugara yoWamasimba waJakobho.”
6. Takazvinzwa muEfurata, takasangana nazvo muminda yeJaari tikati,
7. “Ngatiendei kunzvimbo yake yokugara; ngatinamatei pachitsiko chetsoka dzake,
8. haiwa Jehovha, simukai muuye kunzvimbo yenyu yokuzorora, imi neareka yesimba renyu.
9. Vaprista venyu dai vafukidzwa nokururama; dai vatsvene venyu vaimba nomufaro.”
10. Nokuda kwaDhavhidhi muranda wenyu, musaramba muzodziwa wenyu.
11. Jehovha akapika mhiko kuna Dhavhidhi, mhiko yechokwadi yaasingagoni kushandura achiti, “Mumwe wechizvarwa chako ndichamugadza pachigaro chako choushe,