Mapisarema 129:5-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Dai vose vanovenga Zioni vadzorerwa shure nenyadzi.

6. Dai vaita souswa pamusoro pedenga remba, hunooma husati hwakura;

7. mukohwi haangazadzi maoko ake nahwo, uye anounganidza haangazadzi maoko ake.

8. Dai vanopfuura napo varega kuti, “Maropafadzo aJehovha ngaave pamusoro pako; tinokuropafadza muzita raJehovha.”

Mapisarema 129