Mapisarema 124:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Dai Jehovha akanga asiri kurutivi rwedu, Israeri ngavati,

2. dai Jehovha akanga asiri kurutivi rwedu patakarwiswa navanhu,

3. apo kutsamwa kwavo kwakatimukira, vangadai vakatimedza tiri vapenyu;

4. mafashamu angadai akatifukidza, mvura zhinji ingadai yakatikukura,

5. mvura zhinji ine hasha ingadai yakatirasira kure.

6. Jehovha ngaarumbidzwe, asina kutendera kuti tibvamburwe nameno avo.

Mapisarema 124