Mapisarema 121:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndinosimudzira meso angu kumakomo, kubatsirwa kwangu kunobvepiko?

2. Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha, muiti wokudenga napasi.

3. Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke, muchengeti wako haangakotsiri;

4. zvirokwazvo, muchengeti waIsraeri haangakotsiri kana kuvata.

5. Jehovha anokurinda, Jehovha ndiye mumvuri paruoko rwako rworudyi;

Mapisarema 121