Mapisarema 119:93-98 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

93. Handichazokanganwi zvamakatema, nokuti nazvo makachengetedza upenyu hwangu.

94. Ndiponesei, nokuti ndiri wenyu; ndakatsvaka zvamakatema.

95. Vakaipa vakarindira kundiparadza, asi ini ndichafunga zvirevo zvenyu.

96. Ndinoona kuguma kwezvose zvakakwana, asi mirayiro yenyu haina magumo.Memu

97. Haiwa, ndinoda murayiro wenyu sei! Ndinoufungisisa zuva rose.

98. Mirayiro yenyu inoita kuti ndive akachenjera kupfuura vavengi vangu, nokuti inogara neni nguva dzose.

Mapisarema 119