Mapisarema 119:8-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Ndichateerera mitemo yenyu; regai kundirasa zvachose.Bheti

9. Ko, jaya ringanatsa nzira yaro nei? Nokurarama sezvinoreva shoko renyu.

10. Ndinokutsvakai nomwoyo wangu wose; musandirega ndichitsauka pamirayiro yenyu.

11. Shoko renyu ndakariviga mumwoyo mangu, kuti ndirege kukutadzirai.

12. Imi munofanira kukudzwa, Jehovha; ndidzidzisei mitemo yenyu.

13. Nemiromo yangu ndichataurazve mirayiro yose inobva pamuromo wenyu.

14. Ndinofarira kutevera zvirevo zvenyu, somunhu anofarira pfuma huru.

15. Ndinofungisisa zvirevo zvenyu, uye ndinorangarira nzira dzenyu.

16. Ndinofarira mitemo yenyu; handingakanganwi shoko renyu.Gimeri

17. Itirai muranda wenyu zvakanaka, ndigorarama; ndichateerera shoko renyu.

18. Ndisvinudzei meso angu kuti ndione. Zvinhu zvinoshamisa zviri pamurayiro wenyu.

19. Ndiri mutorwa panyika; regai kundivanzira mirayiro yenyu.

20. Mweya wangu wapedzwa nokushuva mitemo yenyu nguva dzose.

21. Munotsiura vanozvikudza, avo vakatukwa, uye vanotsauka kubva pamirayiro yenyu.

22. Bvisai kwandiri kushorwa nokuzvidzwa, nokuti ndinochengeta zvirevo zvenyu.

23. Kunyange vatongi vachigara pamwe chete vachindireva, muranda wenyu achafungisisa mitemo yenyu.

24. Ndinofadzwa nezvirevo zvenyu; ndizvo zvinondipanga mazano.Dhareti

25. Ndakaradzikwa pasi muguruva; chengetedzai upenyu hwangu sezvinoreva shoko renyu.

26. Ndakarevazve nzira dzangu imi mukandipindura; ndidzidzisei mitemo yenyu.

27. Itai kuti ndinzwisise zvirevo zvenyu; ipapo ndichafungisisa pamusoro pezvishamiso zvenyu.

Mapisarema 119