65. Makaitira muranda wenyu zvakanaka, imi Jehovha, sezvakafanira shoko renyu.
66. Ndidzidzisei zivo nokutonga kwakanaka, nokuti ndakatenda mirayiro yenyu.
67. Pandakanga ndisati ndatambudzika, ndakatsauka, asi zvino ndinoteerera shoko renyu.
68. Imi makanaka, uye munoita zvakanaka; ndidzidzisei mitemo yenyu.
69. Kunyange vanozvikudza vakandipomera nhema, ndinochengeta zvamakatema nomwoyo wangu wose.
70. Mwoyo yavo yakasindimara uye hainzwisisi, asi ndinofarira murayiro wenyu.
71. Zvakanga zvakanaka kuti nditambudzike, kuitira kuti ndigodzidza mitemo yenyu.
72. Murayiro unobva pamuromo wenyu unokosha kwandiri, kupfuura zviuru zvezvimedu zvesirivha negoridhe.Yodhi
73. Maoko enyu akandiita nokundiumba; ndipei kunzwisisa kuti ndigodzidza mirayiro yenyu.
74. Avo vanokutyai ngavafare pavanondiona, nokuti ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.
75. Haiwa Jehovha, ndinoziva kuti mirayiro yenyu yakarurama, uye kuti makanditambudza mukutendeka kwenyu.
76. Rudo rwenyu rusingaperi ngarutinyaradze, maererano nechivimbiso chenyu kumuranda wenyu.
77. Tsitsi dzenyu ngadziuye kwandiri kuti ndirarame, nokuti murayiro wenyu ndiwo mufaro wangu.