Mapisarema 119:58-73 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

58. Ndakatsvaka chiso chenyu nomwoyo wangu wose; ndinzwirei nyasha sezvamakavimbisa.

59. Ndakacherechedza nzira dzangu ndikadzorera tsoka dzangu kune zvamakatema.

60. Ndichakurumidza uye handinganonoki kuteerera mirayiro yenyu.

61. Kunyange vakaipa vakandisunga namabote, handizokanganwi murayiro wenyu.

62. Ndinomuka pakati pousiku ndichikuvongai nokuda kwemirayiro yenyu yakarurama.

63. Ndiri shamwari yavose vanokutyai, nokuna vose vanotevera zvirevo zvenyu.

64. Haiwa Jehovha, nyika izere norudo rwenyu, ndidzidzisei zvirevo zvenyu.Teti

65. Makaitira muranda wenyu zvakanaka, imi Jehovha, sezvakafanira shoko renyu.

66. Ndidzidzisei zivo nokutonga kwakanaka, nokuti ndakatenda mirayiro yenyu.

67. Pandakanga ndisati ndatambudzika, ndakatsauka, asi zvino ndinoteerera shoko renyu.

68. Imi makanaka, uye munoita zvakanaka; ndidzidzisei mitemo yenyu.

69. Kunyange vanozvikudza vakandipomera nhema, ndinochengeta zvamakatema nomwoyo wangu wose.

70. Mwoyo yavo yakasindimara uye hainzwisisi, asi ndinofarira murayiro wenyu.

71. Zvakanga zvakanaka kuti nditambudzike, kuitira kuti ndigodzidza mitemo yenyu.

72. Murayiro unobva pamuromo wenyu unokosha kwandiri, kupfuura zviuru zvezvimedu zvesirivha negoridhe.Yodhi

73. Maoko enyu akandiita nokundiumba; ndipei kunzwisisa kuti ndigodzidza mirayiro yenyu.

Mapisarema 119