Mapisarema 119:49-52 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

49. Rangarirai shoko renyu kumuranda wenyu, nokuti makandipa tariro.

50. Zvinondinyaradza pakutambura kwangu ndezvizvi: Vimbiso yenyu inochengetedza upenyu hwangu.

51. Vanozvikudza vanondiseka vasingaregi, asi ini handitsauki pamurayiro wenyu.

52. Ndinorangarira mirayiro yenyu yekare, imi Jehovha, uye ndinonyaradzwa mairi.

Mapisarema 119