38. Zadzisai zvamakapikira muranda wenyu, kuti mugotyiwa.
39. Bvisai kunyadziswa kwandaitya, nokuti mitemo yenyu yakanaka.
40. Ndinoshuva zvirevo zvenyu sei! Chengetedzai upenyu hwangu mukururama kwenyu.Wawu
41. Rudo rwenyu rusingaperi ngaruuye kwandiri, Jehovha, noruponeso rwenyu sezvamakavimbisa;
42. ipapo ndichapindura vanondishora, nokuti ndinovimba neshoko renyu.
43. Regai kubvisa shoko rechokwadi pamuromo pangu, nokuti ndakaisa tariro yangu mumurayiro wenyu.
44. Ndichagara ndichiteerera murayiro wenyu, nokusingaperi-peri.
45. Ndichafamba-famba ndakasununguka, nokuti ndakatsvaka zvirevo zvenyu.
46. Ndichataura zvamakatema pamberi pamadzimambo, uye handinganyadziswi,
47. nokuti ndinofarira mirayiro yenyu nokuti ndinoida.
48. Ndinosimudzira maoko angu kumirayiro yenyu yandinoda, uye ndinofungisisa zvirevo zvenyu.Zayini
49. Rangarirai shoko renyu kumuranda wenyu, nokuti makandipa tariro.
50. Zvinondinyaradza pakutambura kwangu ndezvizvi: Vimbiso yenyu inochengetedza upenyu hwangu.
51. Vanozvikudza vanondiseka vasingaregi, asi ini handitsauki pamurayiro wenyu.
52. Ndinorangarira mirayiro yenyu yekare, imi Jehovha, uye ndinonyaradzwa mairi.
53. Shungu dzinondibata nokuda kwavakaipa, vakasiya murayiro wenyu.
54. Mitemo yenyu ndiro dingindira rorwiyo rwangu pose pandinogara.
55. Haiwa, Jehovha, ndinorangarira zita renyu usiku, uye ndichachengeta murayiro wenyu.