Mapisarema 119:26-45 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. Ndakarevazve nzira dzangu imi mukandipindura; ndidzidzisei mitemo yenyu.

27. Itai kuti ndinzwisise zvirevo zvenyu; ipapo ndichafungisisa pamusoro pezvishamiso zvenyu.

28. Mweya wangu waziya nokusuwa; ndisimbisei sezvinoreva shoko renyu.

29. Ndibvisei panzira dzokunyengera; ndinzwirei nyasha kubudikidza nomurayiro wenyu.

30. Ndakasarudza nzira yechokwadi; ndakaisa mwoyo wangu pamurayiro wenyu.

31. Haiwa Jehovha, ini ndichabatirira pazvirevo zvenyu; musandirega ndichinyadziswa.

32. Ndinomhanya munzira yomurayiro wenyu, nokuti makasunungura mwoyo wangu.He

33. Ndidzidzisei, imi Jehovha, kutevera mitemo yenyu; ipapo ndichazvichengeta kusvikira kumagumo.

34. Ndipei kunzwisisa, ndigochengeta murayiro wenyu uye ndigouteerera nomwoyo wangu wose.

35. Nditungamirirei munzira yemirayiro yenyu, nokuti imomo ndinowana mufaro.

36. Dzorerai mwoyo wangu pane zvamakatema kwete pakuchiva kwenyama.

37. Dzorai meso angu pazvinhu zvisina maturo; chengetedzai upenyu hwangu sezvinoreva shoko renyu.

38. Zadzisai zvamakapikira muranda wenyu, kuti mugotyiwa.

39. Bvisai kunyadziswa kwandaitya, nokuti mitemo yenyu yakanaka.

40. Ndinoshuva zvirevo zvenyu sei! Chengetedzai upenyu hwangu mukururama kwenyu.Wawu

41. Rudo rwenyu rusingaperi ngaruuye kwandiri, Jehovha, noruponeso rwenyu sezvamakavimbisa;

42. ipapo ndichapindura vanondishora, nokuti ndinovimba neshoko renyu.

43. Regai kubvisa shoko rechokwadi pamuromo pangu, nokuti ndakaisa tariro yangu mumurayiro wenyu.

44. Ndichagara ndichiteerera murayiro wenyu, nokusingaperi-peri.

45. Ndichafamba-famba ndakasununguka, nokuti ndakatsvaka zvirevo zvenyu.

Mapisarema 119