Mapisarema 119:161-166 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

161. Vatongi vanonditambudza ndisina mhaka, asi mwoyo wangu unodedera pashoko renyu.

162. Ndinofarira vimbiso yenyu kufanana nouyowana zvakapambwa zvizhinji.

163. Ndinovenga uye ndinosema nhema, asi ndinoda murayiro wenyu.

164. Ndinokurumbidzai kanomwe pazuva, nokuda kwemirayiro yenyu yakarurama.

165. Vanoda murayiro wenyu vano rugare rukuru, uye hakuna chingavagumbusa.

166. Haiwa Jehovha, ndakamirira ruponeso rwenyu, uye ndinotevera mirayiro yenyu.

Mapisarema 119