Mapisarema 119:149-159 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

149. Inzwai inzwi rangu sezvakafanira rudo rwenyu; haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu zviri maererano nemirayiro yenyu.

150. Vanoita mano akaipa vari pedyo, asi vari kure nomurayiro wenyu.

151. Asi imi muri pedyo, Jehovha, uye mirayiro yenyu yose ndeyezvokwadi.

152. Ndakadzidza pane zvamakatema kare, kuti makazvisimbisa kuti zvigare nokusingaperi.Reshi

153. Tarirai kutambudzika kwangu mugondirwira, nokuti handina kukanganwa murayiro wenyu.

154. Miririrai mhosva yangu uye mundidzikinure; chengetedzai upenyu hwangu maererano nevimbiso yenyu.

155. Ruponeso rwuri kure navakaipa, nokuti havatsvaki mitemo yenyu.

156. Haiwa Jehovha, tsitsi dzenyu ihuru; chengetedzai upenyu hwangu maererano nemirayiro yenyu.

157. Vavengi vangu navanonditambudza vazhinji, asi handina kutsauka pane zvamakatema.

158. Ndinotarira kuna vasingatendi ndichisema, nokuti havateereri shoko renyu.

159. Tarirai madiro andinoita zvirevo zvenyu; haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu, maererano norudo rwenyu.

Mapisarema 119